Job 8

Bhiridhadhi

1Ipapo Bhiridhadhi muShuhi akapindura akati:

2“Uchasvika riini uchitaura zvinhu zvakadai?
Mashoko ako imhepo inovhuvhuta.
3Ko, Mwari angaminamisa zvakarurama here?
Ko, iye Wamasimba Ose angaminamisa kururama here?
4Vana vako pavakamutadzira,
akaita kuti varangirwe chivi chavo.
5Asi kana ukatarisa kuna Mwari
uye ukademba kuna Wamasimba Ose,
6kana uri wakachena uye wakarurama,
kunyange izvozvi achasimuka kuti akurwire,
agokudzoserazve panzvimbo yako chaiyo.
7Kunyange mavambo ako akanga ari epasi pasi,
ramangwana rako richava rokubudirira.

8“Bvunza marudzi akare
ugocherechedza zvakadzidzwa namadzibaba avo,
9nokuti isu takaberekwa zuro uye hatina chatinoziva,
uye mazuva edu panyika akangoita somumvuri.
10Ko, havangakudzidzisi uye vagokuudza here?
Ko, havangakuvigiri mashoko anobva pakunzwisisa kwavo here?
11Ko, nhokwe dzingamera pasina nhope here?
Ko, tsanga dzingararama pasina mvura here?
12Dzichiri kumera uye dzisati dzatemwa,
dzinokurumidza kuoma kupinda uswa.
13Ndizvo zvakaita magumo avose vanokanganwa Mwari;
saizvozvo tariro yavasina Mwari inoparara.
14Zvaanovimba nazvo hazvina kusimba,
zvaanovimba nazvo mambure edandemutande.
15Anosendamira padandemutande rake, asi rinobvaruka;
anobatirira pariri, asi harimiri.
16Akafanana nomuti wakanyatsodiridzwa pamushana,
unotandavadza mabukira awo pamusoro pebindu;
17unomonera midzi yawo pamurwi wamatombo,
uye unotsvaka nzvimbo pakati pamatombo.
18Asi kana ukatsemuka ukadzurwa kubva panzvimbo yawo,
nzvimbo iyo ichauramba igoti, ‘Handina kumbokuona.’
19Zvirokwazvo upenyu hwawo, hunooma,
uye mimwe miti inomera ichibuda muvhu.

20“Zvirokwazvo Mwari haarambi munhu asina mhaka
uye haasimbisi maoko avaiti vezvakaipa.
21Achazadza muromo wako nokuseka
uye miromo yako nokupururudza.
22Vavengi vako vachashongedzwa kunyadziswa,
uye matende avakaipa haachazovapozve.”
Copyright information for SnaBDSC